Mhofu
(runangakatsva kubva kuNhuka)
Mhofu (Eland in English) imhuka yemusango inowanikwa kuMabvazuva nekuChamhembe kweAfrica. Mumhuri yenhoro dzinowanikwa muAfrica, mhofu ndiyo mhuka huru. Matongo emhofu ndidzo nyika dzinoti: Botswana, Burundi, Congo, Ethiopia, Kenya, Lesotho, Malawi, Mozambique, Namibia, Rwanda, South Africa, South Sudan, Swaziland, Tanzania, Uganda, Zambia neZimbabwe. Rimwe zita remhofu rinonzi nhuka.Vanhu vanoera mhuka iyi ndivo vanaShava Mwendamberi,vakadzi vanonzi anaChihera. AnaMusiyamwa ndivozve vamwe anaMhofu.
Tsika
chinjirudzaMhukarume izita remhuri rekuzvirumbidza rinowanikwa muZimbabwe.
Mhofu ndiyo mhuka inova mutupo wevayera shava, uye iyo ishava paruvara.
Mamwe Mazwi
chinjirudzaMazwi eBantu
chinjirudza- Silozi vanoti pofu (eland) kureva mhofu. VaTakwane vanoti nddodda (eland) kureva mhofu.
- MaZulu vanoti impofu (Tan-coloured, tawny - colour of eland skin) kureva ruvara rwemhofu.
- MaZulu vanoti impofana (Small eland, young eland) kureva mhofu diki.
- MaZulu vanoti ubumpofu (Tan colour, tawny colour) kureva ruvara rwemhofu. MaXhosa vanoti impofu (n. eland skin) kureva mhofu.
- Barotse vanoti pofu (n. cape eland) vachireva mhofu. Sesotho vanoti phofu (n. cape eland) vachireva mhofu.