Nubhia kan Nubhiya (Chinobhiini: Nobin; Chiarabhu: النُوبَة, an-Nūba) Nawuabhu kana Nawuabhiya inzvimbo ye muAfurika iri kumaodzanyemba kuruwa riri kudhuze neRwizi rwe Nairi muIjipita (kumaodzanyemba kwe Aswani) ne Sudhani ( kuchamhembe kwe Kharitoumi). Yaimbozivikanwa seKushi uye kunyange Itopiya.

Vatongi veNubhia mumyuziyamu ye Kerma

Munhoroondo yose yave iri nzvimbo ye umambo hwakasiyana-siyana, uye humambo hwe Kushi ne Meroe hwakanga huri hukurusa hwahwo.

Kubva kare maManubhiya vaive vavakidzani veIjipita Yekare kumaodzanyemba. Paiva nenguva apo Ijipita yaitonga nzvimbo huru dzeNubhia, pamwe chete nenguva apo Ijipita yekare yaikwikwidzana nevavakidzani vayo nokuda kwehondo .

Kubva pamadziro ekupenda mumakuva eIjipita zvinoita sekuti maNubhia vaive vatema vemuAfurika. Hondo yekare ye Ijipita\\ yaive nemauto eNubhia aigara. Kubva pamifananidzo iyi zvinoita sekunge kune akati wandei Mafarao eIjipitia (madzimambo).

Muna 700 BC maNubhia akapinda nechisimba ndokukunda Ijipita uye madzimambo avo akatonga humambo hwe Ijipita sedzinza rechimakumi maviri neshanu kusvika vadzingwa muIjipita nechisimba cheAsiriya.

Kubva 600 BC Nubhia yakawana epicenter yayo yekumaodzanyemba muLendiskepu ye Meroe.

Marhoma ekare akatonga Ijipita mushure maJulius Caesar vakarwazve kakawanda ne Manubhia.

Bhaibheri rinotaura nezvomukuru mukuru wokuItiopiya somushumiri wa “Mambokadzi we Itopiya” uyo akashanyira Jerusarema ndokuva muKristu man'wadhi raMabasa ganhuro 8.

Zvinozivikanwa kuti kubva muzana ramakore rechitanhatu AD Nubhia yaive nyika ye Ukristu. Humambo hwechiKristu hwakaenderera mberi nehondo uye Maarabhu akapinda nechisimba ndokukunda Ijipita muzana ramakore rechinomwe.

Kashoma nekashoma Uyisalama wakatanga kupararira pamwe chete nevapambi vechiArabhu uye humambo hwekupedzisira hwe Ukristu muNubhia hwakatorwa ne Vayisalama muna 1504.

Zvishoma nezvishoma vazhinji vevaNubhia vakasiya mutauro wavo uye vakashandisa Chiarabhu asi kune nzvimbo dzinotaurwa Chinubhia chanhasi.

Vakarambawo vachisiya Ukristu uye vachitendeukira kuUyisalama (maitiro akapera muzanagore rechi19).

Parizvino kune hondo huru mudunhu reNubhia pakati pe Maarabhu nevagari venzvimbo iyi. Maarabhu anoda kunyima Manubhia mugove wavo. Chii chave chiri chikonzero chehondo kwemakore nemakore sezvo Manubhia akarwira nharaunda yavo.