Nyanga dzaMushore
(runangakatsva kubva kuNyanga dzamushore)
Chirevo chokuti wapinda panyanga dzamushore (you are in a dilemna or difficult place) chinodudza kuti munhu apinda pakamanika panoti kumativi kwakaipa.
- Zvichida nyanga mbiri dzechigero sechiri pamufananidzo ndidzo dzinonzi nyanga dzamushore - zvichitevedza kududzirwa kwemazwi anobva kumutauro weMambwe unotaurwa kuZambia.
Mitauro yeBantu
chinjirudzaPano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeBantu inotodzana mazwi.
- VaMambwe vanoti -sola kana -sola umuti (lop off trees, lop away trees, lop a tree) kureva kucheka muti nechigero sechiri pamufananidzo.
- VaMambwe vanoti kasola (n. the lopper of trees) kureva munhu anocheka mapazi emiti nechigero.
- VaMambwe vanoti musole (n. a high tree which could be lopped) kureva muti wakareba unokwanisika kuchekwa nechigero.
- Bushong inoti lushola (n. scissors) kureva chigero.