Ruomba

(runangakatsva kubva kuPwambwa)

Ruomba (cream in English) zvinoreva mafuta anowanikwa achiyangarara pamusoro pemukaka. Pwambwa kana kuti ruomba runopatsanurwa kubva pamukaka rwuchitengeswa rwega kana kuti rwunotengeswa rwakasangana nemukaka wacho. Mukaka unokwaniswa kutengeswa uine ruomba rwune huwandu hwakasiyana. Mukaka unotengeswa uine mafuta anotanga pazvikamu chimwe pazana (1%), zviviri pazana (2%), zvitatu nehafu (3.5%) zvichingodaro.

bhodhoro remuakaka une ruomba kumusoro

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaTsonga vanoti rivomba (n. cream).
  • VaZigula vanoti kuomboka (v. to cross over; to pass).