Open main menu

Rwiyo kana chimbo kureva mazwi anoimbwa nevaimbi kazhinji zvichifambirana nezviridzwa zvakadai engoma, mbira, magitare, chipendani, hosho, zvichingodaro. Vanoimba kazhinji vanodzana zvakare, kudzana kwavo kuchienderana nemazwi anoimbwa. Kune mimhanzi inobva kunyika dzakasiyana ine maimbirwo nekudzana kwakatsaukana.

Mitauro yeBantuEdit

  • Mururimi rweLunda vanoti chiimbo kana chimbo (song) kureva chimbo.
  • Mururimi rweUmbundu vanoti imba (sing) kureva kuimba.
  • VaChewa vanoti malumbo (praises).
  • VaChewa neVaLenje vanoti lumba (to praise) kureva kurumbidza.
  • Mururimi rweLugwere vanoti kwemba (v. to sing) kureva kuimba.
  • Mururimi rweLuwanga vanoti olwimbo (song) kureva chimbo.
  • Mururimi rweLuganda vanoti omuyimbi (singer) kureva muimbi.