Kudzana
Kudzana kana kuzvina (dancing) zvinoreva kutamba munhu achitevedza rwiyo kana mimhanzi iri kurira. Kune mhando zhinji dzokudzana, dzechinyakare nedzechimanje-manje. Kudzana kwakare kunosanganisira: mbende; muchongoyo; jiti.
- Kuzvina (to dance) zvinoreva kudzana zvichitaurwa kuChiNdau. Mutauro weChiChewa unoti kuvhina.
- Kupembera, kubundukuta kana kubvukura (to dance for joy) zvichireva kutambirira nemufaro.

Mhando dzeKudzana
chinjirudzaTsumo
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- Baila vanoti ku zhana (dance) vachireva kudzana.
- VaTonga vanoti kushana kana kuzyana (dance) vachireva kudzana. (Zvichibva muDuramazwi reTonga yekuZambia).
- VaTumbuka neVaZigula vanoti kuvina (to dance; to play) kureva kudzana kana kutamba.
- MaZulu vanoti tamba (Dance in file with uniform movements, controlled by a conductor. From Afrikaans: stamp) kureva kudzana mose.
- MaZulu vanoti umtambo (File dancing with uniform movements under the control of a conductor).