Bhizautare

(runangakatsva kubva kuBhasikoro)

Bhizautare (kana bhasikoro kutodza Chingezi kureva bicycle) muchovha wekufambisa une mavhiri maviri.

Bhasikoro (Uganda)

Zita chinjirudza

Shoko rokuti bhizautare ishoko re Chivanhu rakavumbwa kuturikira chichovhwa chine mavhiri maviri uye magiya okuchovhesa nemakumbo kuti chifambe. Zita rokuti bhizautare rakabva pamashoko maviri bhiza kureva mhuka huru ine makumbo mana yagara ichizivikanwa sechitakuriso chevanhu kubva kunzvimbo imwe neimwe. Pamusoro pezvo, shoko rechipiri, ishoko rokuti utare kureva simbi yakasimba inoshandiswa kugadzira zvichovhwa zvizhinji zvinoshandiswa nevanhu.

Mitauro ye Chibanthu chinjirudza

  • VaMambwe neVaMakonde vanoti injinga (bicycle) kureva bhizautare. VaNyungwe, VaYao neVaTumbuka vanoti njinga (bicycle) kureva bhizautare.
  • VaMambwe vanoti kucova (to peddle on a bicycle) vachireva kuchovha bhizautare. Takwane vanoti jinga (bicycle) kureva bhasikoro.
  • MaZulu vanoti shova (v. Pedal a bic.ycle. From English - shove) kureva kuchovha bhasikoro.
 
A Triumph with a step-through frame