Chitendero izwi rinoshandiswa kududza tsika yevanhu yekunge vane wavanonamata kana chavanonamata samwari wavo. Kune zvitendero zvizhinji Pasirose zvinosanganisira:

  • ChiKristu - ava vanhu vanonamata Mwari akasika denga nenyika vachitenda kuti akatuma mwanakomana wake Jesu Kristu pano panyika kuti ave chibayiro chokuregererwa kwezvivi zvavanhu.
  • Islam - ava vanhu vanotenda kuna Allah wavanoti akatuma mutumwa wake anonzi Mahommed.
  • Buddhah - ichi chitendero chinonamata Buddhah chinowanikwa kunyika dziri kumabvazuva kweAsia.
  • ChiJudah - ichi chinamato cherudzi rwemaJudah vanotenda kuna Mwari akasika denga nenyika, iyeyu Mwari mumwechete neuyo anonamatwa nemaKristu asi maJudah havatendi kuna Jesu Kristu.

Mamwe Mazwi

chinjirudza

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaYao vanoti chitendo kana matendo pahuwandu (action).
  • VaGanda vanoti tendo (action) kureva chiito.
  • VaZigula vanoti kutenda (to do; doing) kureva kuita.
  • VaZigula vanoti kutendera (to do for; use to do) kureva kuitira. Mamwe mazwi: kutenderana (do for each other) kureva kuitirana.