Chitadzo

(runangakatsva kubva kuChivi (kutadza))

Chivi, chitadzo kana kuti chitema zvinoreva tsika kana chiitiko chinova kukanganisa pamberi paMwari. Chivi chinogona kuonekwa sechinhu chinoshatisa hukama huripo pakati pemunhu naMwari. Muzvidzidzo zvechiKristu, chivi chinotadzisa munhu kuona Mwari uye kuyanana naye.

Zviri nyore kunzwisisa chivi maringe nemirairo gumi yaMwari.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • VaIsrael vese vakagura mupango wako, ngokupauka: Yes, all Israel flouted your Torah and turned away.. (Dan 9:11)

Tsumo chinjirudza

  • Chivi chinodya mwene wacho. Sin devours the one who has committed it.
  • Areva vi ati idi ribude. He who has revealed evil has caused the truth to come out.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Baila vanoti chibi (a bad thing, evil) kureva chivi. VaHaya vanoti kibi kana mbi (bad, evil) kureva chivi.
  • VaWanga vanoti eshibi (evil act or thing) kureva chitadzo. VaNyoro vanoti bibi (sins) kureva zvitadzo.
  • VaTiriki vanoti shivi (evil act, feces, bad, wrong, evil, ugly, unpleasant, dirty, anything which is offensiv) kureva chivi.
  • VaGanda vanoti mti mubi (a bad tree) vachireva muti muvi. Mamwe mazwi: nyumba mbi (a bad house) vachireva imba ivi.
  • VaDigo vanoti miromo-mii (dirty words) vachireva mashoko akashata.
  • VaHerero vanoti omu-runde (Sinner) kureva mutadzi. Mamwe mazwi: o-runde (Sinfulness) kureva hutadzi.
  • VaGiryama vanoti dambi kana kosa (n. sin) kureva chitadzo. Mamwe mazwi: mudambi (sinner) kureva mutadzi.