Muchidzidzo chePimanyika (Geometry), chiwirano kana chiwirirano (congruency in English) zvinoreva kuti zvivakwa zviviri zvine chiumbwa (shape) chakafanana uye hukuru (size) hwakaenzana. Izvi zvoreva kuti chiumbwa chokutanga chinokwanisa kushandurwa mamiriro kusvikira chati gedye-gedye kupindirana nechiumbwa chepiri; zvimwechitezvo tichitanga kushanda nechiumbwa chepiri. KuEnglish izwi rokuti chiwirano rinoturikirwa richinzi congruency.

Kupiwa kwezita chinjirudza

Zita rokuti chiwirano riri kutoredzera mashoko okuti kuwira, kuwirira kana kuwirana. Zviumbwa zvine chiwirano zvinoyerana mupimo wemativi nemakonya. Chikuru chinoonekwa pazviumbwa zvine chiwirano, kuringana kwemativi nemakonya ezviumbwa zviri kufananidzwa.

Izwi reEnglish rokuti congruent rinoreva to come together, fit in, agree uye rinobva pamazwi maviri anoti inguere (to fall upon) and com (together).

Kujekesa chinjirudza

Muchidzidzo chetarachisi izwi rokuti chiwirano rinoshandiswa sezvizvi. Izwi rokuti kuenzana rinosishandiswa panzvombo yechiwirano pazviro zvinotevera.

 
Gwaro iri rinotaridza chiwirano chegonyonhatu chinotevedza gonyo-gonyo-divi. Tapihwa gonyonhatu ABC negonyonhatu A'B'C': gonyonhatu ABC rine chiwirano ne A'B'C' chete kana gonyo CAB riine chiwirano ne C'A'B' uye gonyo ABC riine chiwirano ne A'B'C' uye divi BC is riine chiwirano ne B'C'