Husimbe
(runangakatsva kubva kuHunyope)
Husimbe (kureva laziness) zvinotaura munhu asingadi kuita basa, anovenga basa. Vamwe vatauri vanoti hunyope, nungo kana kuti makato.
- Mawarire, badzaihosha kana mutatya (Lazybones) kureva munhu ane husimbe asingadi kushanda.
Tsika
chinjirudza- Ane nungo dzokuda kutokwenyewa.
- Bhaibheri rinotaura kuna vaThesaronika weChipiri kuti "Asingadi kushanda ngaasadya".
Tsumo
chinjirudza- Kukudza uchipa kunobereka simbe. To bring up children by spoon-feeding will breed lazy ones.
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- Barotse vanoti mbowa (fig. a lazy person) kureva nyope. Lugwere vanoti kugodobala (v. be paralysed). Fananidzai nokuti nungo dzinomukodoba.
- MaZulu vanoti isidenge (Lazy person without energy) vachireva munhu ane husimbe. MaZulu] vanoti ubudenge (n. Laziness, lack of energy) vachireva husimbe.
- VaZigula vanoti kuzembeka (be lazy; get lazy) kureva kuva nehunyope. Barotse vanoti kuzembesa (make lazy or idle) kuitisa nungo.
- Djimini vanoti tɛndɛndɛ ( adj. completely inert). Bor inoti nyobo (n. laziness) kureva hunyope.