Munhu pamwe nemhuka akasikwa ane hunzwi (senses). Hunzwi hunorava, kusiyanisa nokufananidza, kusarudza, kuketa zvacho zviri kunzverwa.

Kune hunzwi hushanu hunonyanya kuzivikanwa hunoti: kuoona nemaziso; kunzwa nenzeve; kuraidza nerurimi; kunhuwidza nemhuno, uye kukwanisa kugunzva kunoti muviri wakabatana kana kugunzvana chimwe chinhu munhu anozviziva. Munhu achinge agunzvana nechimwe chinhu anokwanisa kuziva kuti chinhu chakapfava, chikukutu, chinopisa, chinotonhora

Hunzwi hwese uhwu hunoraviwa muhuropi munowongorora kuti zvabva kune dzimwe nhengo zvinorevei nokupa zano rokuti munhu angaita sei nezviri kurehwa nedzimwe nhengo dzine hunzveri. Kunzwa hwema hwemanhuwire echinhu kunonzi kukamba. Saka imbwa inokamba hwema kudarika zvinoita munhu.

Tsika chinjirudza

Akaimba muimbi Thomas Mapfumo achitenda Mwari kuti vakatipa Pfungwa shanu - idzodzo pfungwa shanu dzakarehwa naThomas Mapfumo ndidzo dziri kunzi hunzwi muchinyorwa chino.

Muenzaniso wekutaura kunoitwa mazuva ose:

  • Teerera unzwe kurira kuri kuita mvura.
  • Nhuwidza unzwe mupunga uyu washisha.
  • Bata padumbu unzwe mwana ari kukava.
  • Raidza unzwe kunaka kunoita sadza remhunga.
  • Tarira uone zviri pano.

Pakutaura kwemazuva ose panoshandiswa shoko rokuti kunzwa pane hunzwi huna kunze kwekuona nemaziso chete.

Humwe hunzwi honosanganisira:

Mazwi eBantu chinjirudza

  • VaKongo vanoti wa (v.t. to hear, to listen, attend to, pay attention to, to mind, comprehend, understand, to see, perceive with the mind) kureva kunzwa.
  • VaKongo vanoti wila (applied from of wa above) kureva kunzwira kana kuhwira.
  • VaKongo vanoti wisa (v.t. cause to hear) kureva kunzwisa kana kuhwisa.
  • VaFwe vanoti ndishuwire (I hear).