Mupunga
Mupunga (rice in English) idzinde rinenge sora rinorimwa richiita mbeu inodyiwa Pasirose.
Mupunga ndiko kudya kukuru kunzvimbo dzinoti: West Indies; Middle East; East Asia; Southeast Asia neSouth Asia. Mupunga ndiyo mbeu yepiri pahuwandu hwekukohwewa Pasirose cihitevera chibage. Asi nokuti chibage chinoshandiswa mune zvimwe zvisiri kudyiwa nevanhu, mupunga ndiyo unosara watungamira pakuva chikafu chevanhu.
Kurimwa kwemupunga kwakanakira nzvimbo dzinowanikwa vashandi nemuripo uri pasi nokuti mupunga une basa rakawanda. Mupunga unoda nzvimbo dzinonaya mvura yakawanda nokuti unokura muznvimbo dzine mvura yakawanda. Mupunga ndiwo rimwe remadzinde akagara ari muAfrica kubvira pasichigare.
Nhengo iri padzinde remupunga kana rukweza inotakura mbeu inonzi mwonzora kana nzeve.
Tsika
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- Kizigua, Lenje neSwahili vanoti mpunga (rice) kureva mupunga.
- Kihaya vanoti omuchere kana omuchele (rice) kureva mupunga.
- Digo neNyungwe vanoti mphunga kureva mupunga. Lomwe vanoti mvuka kureva mupunga.
- VaGwere vanoti kulumira (v. bite a stony particle in a soft lump of food) vachireva kurumira.
- Shimakonde vanoti mpunga, nshele, ubwabwa (n. rice) kureva mupunga.