Munyu
(runangakatsva kubva kuKloraidhi yeSodhiyamu)
Munyu chai kana dzai (salt in English) ndiwo uya watinoshandisa kurunga chokudya mudzimba. Munyu unokohwewa kubva mugungwa; kune dzimwe nzvimbo unocherwa pamugodhi.
Mutomba apa kureva munyu waigadzirwa nekupisa mhando yetsanga inonzi bungwa, mubungwe kana mutsangidze. Mvura yaizodirwa padota racho Kati munyu unyungudike, mvura iya yozokwaikwa. Sheche, mutomba kana fesha waive mhando yemunyu weChivanhu.
Mabasa eMunyu
chinjirudzaMamwe Mazwi
chinjirudza- Humbu (bag of salt).
- Berepere kana maperepere (Hard, black, brackish soil (from which salt is extracted). vamwe vatauri vanoti bare kana rungu.
- Zvipangamunyu (halophiles) apa kududza tupuka tunogara munzvimbo dzine munyu wakawanda dzakadai seDead Sea kana Great Salt Lake.
- Kudurungunda kana kurunduka (Taste too salty) Muto uyu unodurungunda: this gravy is too salty.
Zvirevo
chinjirudza- Zvino munyu ndizvo zvinei, chidokohori chikagodyiwa wani? Why (prefer) relish with salt if stamped ground nuts can also be used (as relish)?
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- VaGiryama neVaKwere vanoti munyu (salt). VaWanga vanoti omunyu kwetsimbale (coarse salt) kureva munyu wemagodo.
- VaKongo vanoti mungwa kana miungwa (n. salt) kureva munyu. VaFwe vanoti zwai (salt) kureva munyu.
- VaYao vanoti chidulo (water that has been strained through ashes of banana leaves and used as salt to be put in the relish) vachireva mvura yakadururuka mudota remashizha emubhanana.
- MaZulu vanoti umunyu (Sourness, acidity) kureva kuvava pakudya kana huasidhi. Humburi Senni inoti cír-ò kana ciri (n. salt) kureva munyu.