Mazwi anoti kudzika, kunara kana kupara (1. Set up, 2. Establish, 3. Found) zvinoreva kuvamba nzanga kana Sangano rakambenge risipo. Sangano iri rinogona kuva Kereke, bato rezvenyika, chita zvichingodaro.

  • Shoko rokuti sakuwana, nyakuvamba (founder in English) rinoreva mumhu akavamba: chirongwa; sangano; bandiko; boka revanhu; kambani; Kereke nemamwewo mapoka anounganidza vanhu.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Mazita eMhuri chinjirudza

Mazita anotodzana nezwi rokuti kupara: Mhariwa, Mupariwa; Chapara; Chipara; Chaparira uye Kupara mazita emhuri.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaHerero vanoti zika kana tyita (establish) kureva kudzika.
  • VaChewa vanoti kuzika kana maziko (foundation) kureva chidzikwe.
  • VaGwere vanoti kuteeka kana kutereka (v. put, place, install, institute, set in place) vachireva kugadza.
  • VaTonga vanoti anza (v. compose, found) vachireva kudzika.