Nyemwerera
(runangakatsva kubva kuKunyemwerera)
Shoko rokuti kunyemwerera, kumwekurira kana kunyekurira (Smile in English) rinoreva kutaridzika kwekufara kunoratidzwa munhu akavhura muromo mazino achioneka.
![](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/2/22/Children_in_Ribat-i-Abbasi_of_Nishapur_%28Hossein_-_Ali_-_Fatemeh_-_Hengameh_and_another_girl_-_probably_Afghani%29_22.jpg/220px-Children_in_Ribat-i-Abbasi_of_Nishapur_%28Hossein_-_Ali_-_Fatemeh_-_Hengameh_and_another_girl_-_probably_Afghani%29_22.jpg)
Munhu anonyemwerera achiratidza kufara, paanosangana nemumwe waanoziva kana waanofarira. Kunoitawo vamwe vanoshanda munzvimbo dzavanodiwa kunzi vagare vachinyemwerera - sevaya vanobata mabasa ekubatsira vanhu mundege.
Mamwe mashoko ari pedyo nokuti kunyemwerera ndiwo anoti: kusekerera, kugegedzera, kuzhinya.
Bindi, binde kana sekero (dimple) rinoreva rukomba runoonekwa kana munhu achinyemwera. Vamwe vanoti chitswiti.
- Kugegedzera (giggle).
- Kunyenama (show teeth; grin).
Tsika
chinjirudza- Zino irema rinosekerera warisingade.
- Hanzi kunyemwerera kunoshandisa mhasuru shoma pane kufinyama.
- Kwindima (ideophone of being pitiless or unfeeling, 2. of looking sad, 3. Hardening heart).
- Kukwindimara kana kutsindimara (being hard hearted, pitiless, looking sad).
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- VaTiriki vanoti khumwenya (v. smile) kureva kunyemwerera. Baila vanoti mwena (to smile) vachireva kunyemwerera.
- MaZulu vanoti sina (Grin; show the teeth; snarl) - zvichida vanoreva kuzhinya. VaTakwane mweruwa (v. smile) kureva kunyemwerera.
- VaYao vanoti kukwindimala (to be stiff; to be hard; to be firm) vachireva kukwindimara.
- VaWaalii nyina (n. teeth) kureva mazino.