Nyemwerera

(runangakatsva kubva kuKuzhinya)

Shoko rokuti kunyemwerera, kumwekurira kana kunyekurira (Smile in English) rinoreva kutaridzika kwekufara kunoratidzwa munhu akavhura muromo mazino achioneka.

Musikana ari kunyemwerera

Munhu anonyemwerera achiratidza kufara, paanosangana nemumwe waanoziva kana waanofarira. Kunoitawo vamwe vanoshanda munzvimbo dzavanodiwa kunzi vagare vachinyemwerera - sevaya vanobata mabasa ekubatsira vanhu mundege.

Mamwe mashoko ari pedyo nokuti kunyemwerera ndiwo anoti: kusekerera, kugegedzera, kuzhinya.

Bindi, binde kana sekero (dimple) rinoreva rukomba runoonekwa kana munhu achinyemwera. Vamwe vanoti chitswiti.

Tsika chinjirudza

  • Zino irema rinosekerera warisingade.
  • Hanzi kunyemwerera kunoshandisa mhasuru shoma pane kufinyama.
  • Kwindima (ideophone of being pitiless or unfeeling, 2. of looking sad, 3. Hardening heart).
  • Kukwindimara kana kutsindimara (being hard hearted, pitiless, looking sad).

Mitauro yeAfrika chinjirudza