Kupishingana; kupishana; kupiyana (be confused, entangled) rinoreva kuvhiringika pakufunga munhu otadza kuziva kuti obata chipi kana kuti opfuurira mberi nenzira ipi.

Mamwe Mashoko chinjirudza

  • Kukangaidza (Confuse), kuvenganisa; kupesanisa; kupesaisa; kushonganisa musoro; kukorekanya; kukanganisa; kunyonganisa; kana kupiyanisa. Nokumwe kutaura ndiro Gangaidzo.
  • Kuchingaidza (Embarrass. Confuse. Muddle a person; Bewilder) zvichireva kukangaidza . Kune zita remhuri rinonzi Machingaidze kana Mashingaidze.
  • Bishapisha kana mapishapisha (Mix-up. Confusion). Mombe kana dzaneta dzomira, dzimwe dzichiringa mberi, dzimwe kushure, rava bishapisha: when tired-oxen stop, some facing forwards, some backwards, that is a mix-up.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Ndizvo zina raro rakadudzwa kuti Bhabheri, ngokuti ndipo apo Mambo Mwari paakakangaidza ndimi yenyika yeshe (Genesis 11:, kubva muBhaibheri reChiNdau).
  • Uyai, ngatidzake pashi, tikangaidze ndimi yavo, kuti vasazwana umwe noumweni mukuereketa kwavo.: Come, let Us go down and there confuse their language, that they may not understand one another’s speech (Genesis 11:8 Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaZigula vanoti kubisha (to argue; argue; arguing with). VaZigula vanoti kubishana (to argue with each other; to argue with; arguing with).
  • VaVenda vanoti vilinga (n. confusion). Mamwe mazwi: -vilingana (v. confuse).
  • Kimbundu vanoti -tongonoka (understandable) kureva kunzwisisika.