Kusvuura kana kusvuvura (remove outer covering e.g. skin or bark from tree) zvinoreva kupatsanura zvinhu zviviri zvakanama kana kubatana kusvika zvave chimwe nechimwe kwacho chega. Kusvuura kunogona kuitika nenzira yokukakata zvinhu zviviri zvakatetepa sezviya zvinoitwa kana munhu achisvuura rwodzi kubva pagwati remuti. Kusvuura kunokwanisa kuitika nenzira yokupara kana kumara chinhu chakapendewa kana chakanamirwa bepa, sokuti munhu akatora banga anokwanisa kupara pendi yakapenda muchovha.

Kusvuura kunokakata kufanana nekukwatanura duct tape.

Ganda remunhu rinogona kusvuuka kana rakwesherana nechinhu chinomara kana chikukutu sepaya pokuti munhua apunzika achimhanya osviko kweshera ibvi padombo kana pahuswa. Ipapa ganda repabvi rinokwanisa kusvuuka. Panobviswa cellotape kuti tiname zvinhu tinoita yokukwatanura kana kuti kusvuura.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kupondora, kuponora kana kubura (strip bark from a tree).
  • Kusvuura kana kusvuuka (v. To chafe).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Kinande inoti eríhonóla (v. remove the crust on a wound). Vanoti muhini (n. handle) kureva mupini.
  • Kinande vanoti eríhonóka (v. to hurt yourself lightly producing a scratch a wound). Vanoisa h pamwe patinoisa p.
  • Mandinka vanoti sura (v. separate grain from stalk by pounding).
  • Lubwisi vanoti kuhonola (v. Abrade your skin by rubbing your skin against something) kureva kuponora.