Banga
Banga (Knife in English) mudziwo unoshandiswa kucheka zvinhu zvikurusei pakubata mabasa anoti: kubika, kuvhiya, kumenya zvichingodaro. Nhengo yebanga inocheka yakagadzirwa nesimbi yakapfekerwa pamubato. Mubato unokwanisa kunge wakagadzirwa nesimbi, plastic, muti kana chimwe chakasimba.
Nhengo yebanga ine panocheka (blade in English) inonzi chese. Zita iri rinoshandiswawo kutaura chisimbi chinotema chedemo, kana badza.
Mamwe MazwiEdit
TsumoEdit
- Akumbira banga kuti azivikanwe kuti abaya.
Mazwi eBantuEdit
- Mururimi rweKikongo vanoti kutu (Scabbard; sheath) kureva homwe inopfekerwa banga kana munondo.
- Baila vanoti insonga (point of a spear or knife) kureva kanzvi kepfumo kana kebanga.
- Lenje vanoti kola (be sharp - of a cutting edge or point) kureva kuva chakapinza.
- Herero vanoti via (v. to divide; cut) kureva kuvhiya. Mamwe mazwi: oru-vio (n. knife). Omu-via (n. cut).