Pfumo kana jokoso (spear in English) chombo chakagadzirwa chiine chitanda chirefu chakabatanidzwa nemuromo unopinza unoshandiswa kubaya panguva yokunge vanhu vachirwa hondo kana kuvhima.

Vatauri veChiNdau vanoti mukhondo.

Zvikamu zvePfumo

chinjirudza
  • Kanzvi zvinoreva kwakapinza kuya kwepfumo kwacho kunobaya.
  • Chipanga kana chipasa (the blade of spear-head or arrow-head).
  • Rwiriko (shaft of a spear) ndiwo mutanda unoshanda semubato wepfumo.
  • Chireya, suso kana chiraya (blunt end of a spear opposite to the blade - used for digging).
  • Nangiro (where the metal head enters the shaft at either end).
  • Nyenza, ukambo kana makave (the coiled wire binding shaft end).
  • Musika kana nyimbiri (the stem of blade, entering into shaft).
  • Muromo (point of spear).
  • Pfumo rinobaya ngerina hombarume. The spear that pierces is that of a (successful) hunter.

Mitauro yeAfrika

chinjirudza
  • MaZulu vanoti ilikhiwa (1. Large-bladed, stabbing assegai; 2. Bundle of spears) ipfumo rine chipanga chipamhi.
  • Kemedzung vanoti kondə (a kind of spear). Mbugwe inoti ereka (v. avoid) - zvichida vanoreva kuereka.
  • VaYao vanoti ngamo (A large bladed spear) ipfumo rine chipanga chihombe. Taabwa vanoti lifumo (n. spear) kureva pfumo.
  • Swahili vanoti mrembe (wooden spear with a sharp point). VaGbeya vanoti sêre (n. spear) kureva pfumo. Sangho vanoti likongo (n. spear).
  • Baila vanoti insongwa (long pointed stick used as a spear by boys) kureva chimuti chakapinza chinoshandiswa sepfumo nevakomana.