Banga
(runangakatsva kubva kuChidaduro)
Banga (Knife in English) mudziwo unoshandiswa kucheka zvinhu zvikurusei pakubata mabasa anoti: kubika, kuvhiya, kumenya zvichingodaro. Nhengo yebanga inocheka yakagadzirwa nesimbi yakapfekerwa pamubato. Mubato unokwanisa kunge wakagadzirwa nesimbi, plastic, muti kana chimwe chakasimba.
![](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/2/2f/Broodmes.jpg/250px-Broodmes.jpg)
Nhengo yebanga ine panocheka (blade in English) inonzi chese. Zita iri rinoshandiswawo kutaura chisimbi chinotema chedemo, kana badza.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Harambi (Handle of sword or dagger). Bata harambi yebakatwa somurume: take a firm grip on the handle of your dagger
- Gwese kana gweshe (blunt object especially a knife) apa kureva banga rakagomara. Banga rakagon'a kana chigon'a. Banga iri igweshe.
- Kuvedzenga (v. To cut in strips; cut in slices).
- Chidaduro (sharp knife) apa kureva banga rakapinza.
- Kuvhiya kana kuvhuya (to skin, flay).
- Dika kana dimbo (sharp pointed stick, 2. Sharp stake in game-pit) zvichireva chimuti chakapinza chine unzi. Kana zvawanda zvonzi matika.
Tsumo
chinjirudza- Akumbira banga kuti azivikanwe kuti abaya.
Mazwi eBantu
chinjirudza- Kikongo vanoti kutu (Scabbard; sheath) kureva homwe inopfekerwa banga kana munondo.
- Baila vanoti insonga (point of a spear or knife) kureva kanzvi kepfumo kana kebanga.
- Lenje vanoti kola (be sharp - of a cutting edge or point) kureva kuva chakapinza.
- Herero vanoti via (v. to divide; cut) kureva kuvhiya. Mamwe mazwi: oru-vio (n. knife). Omu-via (n. cut).
- Runyambo vanoti omusyo (n. knife) kureva banga.