Kutsi (Underneath, beneath) zvinoreva pasi pechiro kana pakadzika-dzika.

Kurerutsa MutauroEdit

  • Akaudza amai vake zvaiva kutsi kwemwoyo wake.
  • Akahwanda kutsi kwehozi.
  • Akamutswa ari kutsi kwehope.

Mitauro yeBantuEdit

  • VaMambwe vanoti muse (bottom) kureva mutsi.
  • Vatauri veKikongo vanoti kunxi, kunanxi a kana munanxi a (below, beneath) kureva kutsi.
  • Vatauri veNyungwe vanoti kuntsi kwa (under, below, beneath) kureva kutsi.
  • VaLuwanga vanoti mulwalo (below, underneath) kureva kutsi. Sokuti mulwalo we imesa - under the table.
  • VaLuwanga vanoti omwalo kana empale (below, down there) kureva kutsi. Mazwi aya anoda kutodzana nokuti hwaro.
  • VaGiryama vanoti ts'ini (below, down, low) kureva kutsi. Kune izwi rokuti kutsinin'ina kana kuti tsinin'ini.
  • VaDigo vanoti tsini ya (below, under, underneath) kureva kuzasi.