Kuwombera (Clapping one's hands) chiitiko chokurovanisa zvanza nokukasira chinoitwa senzira yokutenda kana kufarira chinhu chinenge chiri kuonekwa. Mutsika dzeZimbabwe vana vanodzidziswa kuombera apo vanopiwa chinhu kubvira vachiri vadiki; tsika iyi inotevedzwa pakukura kwemunhu. Vanhu kana vachinge vari kuona mutambo, pakaitika chimwe chavafadza zvakanyanya pamutambo uyu vanowombera zvakare. Imwe nguva kuwombera kunoenderana nokudzana.

Kuwombera mawoko

Mamwe MazwiChinjirudza

Mitauro yeAfrikaChinjirudza

  • Chewa inoti kuomba (to shake, beat or rattle; to sound a trumpet; blow a horn; ring a bell; beat a drum; clap the hands; to thresh corn) kureva kuomba.
  • VaChewa vanoti kuombera (to sound for anyone; to be for sounding) vachireva kuridzira. VaChewa vanoti kuomba (to sound) vachireva kuridza.
  • Mang'anja vanoti kuomba manja (to clap one's hands) vachireva kuwombera. Mamwe mazwi kuomba mchemo (to raise an alarm) vachireva kuridza mhere?
  • VaYao vanoti kugomba chanja vachireva kuwombera mawoko. VaZigula vanoti kutowa magasa vachireva kuwombera mawoko.
  • Vai vanoti dondo (n. one). Mamwe mazwi: dondori (at once). Kimbundu vanoti kutonda kureva kuwombera mawoko. Mamwe Mazwi: kutondela (v. clap for).