Yeuka

(Redirected from Kuyeuka)

Shoko rokuti yeuka (remember) rinoreva kurangarira chiitiko kana chinhu chakaitika kana chawakaona kare. Vamwe vatauri vanoti kuchechuka, kana kutondera.

Kukarakadza (to remember) izwi reChiNdau rinoreva kuyeuka kana kurangarira. Karakadzai izita remhuri.

Kurerutsa MutauroEdit

  • Uchiri kuyeuka gore riya takarara paDohwa kwaRusape, bhazi rafa pamugwagwa.
  • Ndinoda kukuchechudza kuti mari yangu hausati wandidzorera.
  • Kuyeuka bako waniwa nemvura - zvinoreva kuzorangarira zano raikwanisa kubatsira apo watosangana nenjodzi kare.
  • Psalm 137:7, Karakadza, Mambo Mwari, kurwa nevaEdhomu ngezuva rokuwa kweJerusarema: Remember, Lord, what the Edomites did on the day Jerusalem fell. (Bhaibheri reChiNdau.

Mazwi eBantuEdit

  • VaSwahili vanoti kumbuka (remember, recognize, call to/bear in mind) zvichireva kuyeuka. Mamwe mazwi: kumbuko (1. memory, rememberance, recollection, 2. reflection, consideration, thought) zvichireva kuyeuka.
  • VaSwahili vanoti kumbusha (1. memory, recollection, 2. momento, souvenir, 3. memorial, monument, statue) zvichireva chiyeuchidzo.
  • Vatauri veYao vanoti chikumbukumbu (n. memory).
  • Vatauri veKizigua vanoti kukumbuka (remember; rembering) kureva kuyeuka. Mamwe mazwi: kukumbukwa (to be remembered) kureva kuyeukwa.
  • Baila vanoti ku tondezha (to point out) vachireva kutondeka?