Lithium is found here for other uses trace en wikipedia

How a lithium battery works

Lithium inhangande ine nhamba yehatomu 3. Lithium iri muboka resimbi dzeAlkali, izvi zvichireva kuti ine mhodzigetsi imwe muboterero rekunze.

Kutapa Lithium chinjirudza

Lithium inowanikwa iri mumabwe. Lithium iri yega inonetsa kuwana. Lithium inonyunguduka mumvura, saka zvoreva kuti lithium inowanikwa futi mumvura yegungwa. Lithium inowanikwa mumvura yegungwa inenge iri shoma. Lithium inotapwa kuburikidza nechiitiko chinonzi funguragetsi ichibva mu compound inonzi potassium chloride KCI ne Lithium chloride zvakazangana. Panobuda chlorine ichienda mudenga kunosara iyo lithium nepotassium pasi.

Uses chinjirudza

Lithium inoshandiswa kugadzira maglass. Lithium ndiyo simbi yakareruka kunyanya inozivikanwa. Inoshandiswa muma bhatiri nekuti inochengeta magetsi zviri nyore. Lithium yave kutsiva mabhatiri ezinc carbobate nekuti iyo inobuditsa 3-volts mutuma bhatiri tudiki, apa zinc carbonate ichibuditsa 1.5-volts muma bhatiri mahombe mbichina.

Description chinjirudza

Lithium i[alkali] metal nekuti ine mhodzigetsi imwe muboterero rekunze. Simbi iyi inopingurana nemvura pachibuda lithium hydroxide.

Li + H2O = LiOH.

Lithium apa iri kupingurana nemvura ichigadzira LiOH. Kuti muzotapa lithium kubva mu lithium hydroxide panenge pakuitwa funguragetsi.