Mbambaira
(runangakatsva kubva kuMabura)
Mbambaira kana mabura (Sweet potatoes) idzinde rinobereka midzi inobumba pasi pevhu.
Vamwe vatauri vanoti mabura kana kuti madima. Mbambaira netsenza dzinorimirwa muhomba kana kuti mhani
- Chikone (mashed cooked vegetable) kureva nhopi yakaitwa nematapiri kana tsenza dzakapwanywa mushure mekubikwa.
- Harwa (Ridge for planting in its first stage of construction) apa kureva muhomba uri kutangwa kuumbwa. Kune musha unonzi Masiyaharwa.
- Kaguri kana hwupi (Bulbous root) apa kureva mudzi wakabumbira sembambaira.
- Chimarata kana chimbarata Short, brown var sweet potato.
- Chimero (Bulb, tuber general name).
- Muhomba kana mudzere (ridge for planting sweet potatoes).
Kubika Mbambaira
chinjirudzaMbambaira dzinobikwa nemvura pamoto dzichifashaidzwa kwechinguva, kana kuti dzinogochwa mumazimbe emoto. Vazhinji vanotanga vabvisa makanda vasati vadya asi kune vamwe vanodya nemakanda adzo. Vamwewo ndivo vanodya dzisina kubikwa.
- Mukuita muhomba nyakubvura ngarwe anoteverwa nomutsenzeri. In building a ridge for cultivation, the one who cuts the first sods is followed by the one who puts sods on top of his.
- Dzirandanda kana madzirandanda (1. Fibre in cooked sweet potato, 2. Sinew in cooked meat) zvichireva dzira kana mudzira.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- MaZulu vanoti ubatata (sweet potato) kureva mbambaira. VaNgala vanoti libenge kana mbala (potato, sweet potato).
- VaLuba vanoti cilunga (n. sweet-potato) vachireva mbambaira. VaWabo vanoti bambahiya (n. sweet potato).
- VaYao vanoti chitupa (bulb) kureva chimero. VaYao vanoti litupi (lump of sugar, clay or in flour) vachireva bundu. VaYao vanoti tupa (1. to swell up) kureva kuzvimba.
- VaBemba vanoti nsemwa (n. dried sweet potato) kureva mbambaira dzakawomeswa. VaNande vanoti ekirunda (n. type of sweet potato).