Kukumbana pabonde

(runangakatsva kubva kuMadziuranzeve)

Kukumbana pabonde kana kukumana ishoko rinoreva kusangana kwemurume nemukadzi pabonde. Mamwe mashoko anoshandiswa kureva zvimwechete ndeanoti; kurara, kuisa, kusvira kana kuti kukwira. Shoko rekuti kurara, sekuti "kurara nemukadzi" ndiro rinonyanyoshandiswa kana vanhu vachitaura pane ruzhinji, kana vanyarikani. Nhengo dzemurume dzinodaidzwa namazwi akasiyanawo sekuti; mboro (rinonyadzisira),chombo, kana kuti mhuka. Nhengo dzemukadzi dzinodaidzwawo namazwi anoti; beche (rinonyadzisa), mbutu [rinonyadzisira], mukana kana kuti kunzira. Izwi rekuti nhengo dzesikarudzi rinokwanisa kureva nhengo dzemurume kana dzemukadzi.

Muchiitiko ichi, tsinga dzenhengo yemurume dzinozara neropa zvinokonzera kuti nhengo yacho iwomarare, kana kuti kumira. Kana ichinge yamira kudaro murume anopinza nhengo yake mune yemukadzi, achiita seanopinza nekuburitsa. Kupinza nekuburitsa uku kunoita kuti murume nemukadzi vanakirwe nechiitiko ichi. Panozosvika nguva yekuti murume anozwa kunakirwa kwakadzama kunozokonzera kuti nhengo yake iburitse mbeu, kunonzi kutunda. Vakadziwo vanokwanisa kusvika pakunakwirwa kwakadzama uku, asi nekuti chiitiko ichi hachisi chinhu chaingotaurwa taurwa pese pese, vazhinji vaisaziva kuti vakadzi vangasvikewo pachinhanho ichocho nenyaya yekuti kazhinji murume ndiye anotanga kusvika obva oregera mukadzi asati.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Madziuranzeve (Time after the birth of a child when marital relations are resumed).

Mazwi eBantu chinjirudza

  • VaKabwa vanoti -twara kana -twarana (have sex; copulate) kureva kukumana.
  • Vatauri veLuganda vanoti tomba (copulate) kureva kukumana.
  • VaLozi vanoti -konya (v.t. to copulate, to have sexual intercourse).
  • VaZigula vanoti ngono kana chingono (n. sex). VaZigula vanoti kuposa.