Coloured zvinoreva vanhu vakazvarwa pakasangana vabereki vane ganda rakasiyana. Verudzi urwu vazhinji vanana baba Varungu nana Amai vanhu Vatema. Pakauya Varungu vachitapa Africa vakatora vakadzi vechitema vakazvara vana navo. Nokudaro verudzi rwechiColoured vanodanwa kunzi vazukuru nokuti zvinenge zvichinzi vana vehanzvadzi dzedu.

Zita rokuti Coloured rinoshandiswa nenzira iyi kuno kuchamhembe kweAfrica munyika dzinoti Zimbabwe, Botswana, South Africa neZambia. Kunyika dzinoti Canada, USA, Britain maColoureds vanoverengwa seVanhu Vatema.

Pari zvino nyika dzakaita vatungamiri vechiColoured dzinosanganisira Botswana (Ian Khama) neGhana (Jerry Rawlings).

Kunoitawo vamwe maColoured vanana baba veChitema asi ava vashoma kana zvichienzaniswa nevanana baba Varungu. Varume Vanhu Vatema vakaroora Varungu vazotanga kuwanda nokuwanda kwevanhu vakanodzidza mhiri kwemakungwa kunyanya kuRussia, Ukraine, Poland neGermany kune madzimai veChirungu vanenge vaigamuchira kuroorwa neVatema pane varungu vakagara vari muZimbabwe.

Mazita emhuri chinjirudza

Mhuri dzemaColoured dzine mazita anoti, Green, DeKock, Klassen, Jacobs, Josephs, Culverwell, Peters, Young, Rahman, DeJaeger nemamwewo mazita eVarungu ana baba vavo. Kunoitawo maColoured akazvarwa nanababa vechiArab, Malay, Indian nemamwewo marudzi akatora vakadzi vechitema.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaZigula vanoti mtanganyiko kana watanganyiko (n. mixed race; mulattos) kureva makaradhi.
  • VaZigula vanoti Wantru wadya ni watanganyiko (Those people are of mixed race.).