Makosa izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Herbert Makosa, Jairos Makosa, Itayi Makosa.
  • Mazwi angava pedyo: hosha, chikosha.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeAfrica, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • Digo inoti makosa (fault, wrong). VaDigo vanoti makosano (misunderstanding) kureva kusawirirana.
  • Zigula inoti kosa kana makosa (fault, mistake, wrongdoing). Maconde inoti kukosha (to err) kureva kukanganisa.
  • Giryama inoti ku-kosa (v. err, to do amiss). Mamwe mazwi: makosa (n. error, mistake, fault). Taita inoti kukosa (to wrong).
  • Luganda inoti kosa (v.a. to hurt, injure) kureva kukuvadza. Nsenga vanoti makosa (n. health, strength) kureva hutano kana simba.