Takatarisana neKubika kweZimbabwe (Zimbabwean Cuisine), manhuchu (samp in English) zvinoreva chibage chinodzvurwa chigofashaidzwa kusvika chaibva.

Kana chingage chadzvurwa rukanda rwekunze rwaipuruka kubva, chibage chozopepetwa kuti marara aya araswe. Mazuva ano kwave nezvigayo zvinoshanda basa rekusvuura rukanda rwekunze zvekuti kune zvigayo izvozvi vazhinji havachadzvura.

Mukubikwa kwemanhuchu anorungwa nemunyu kana kuzowedzera dovi. Nguva zhinji manhuchu chikafu chinodyiwa masikati vanhu vari pabasa. Vamwe vanoti vasati vabika manhuchu vanoaradza ari mumvura kuti apfave arege kuzotora moto wakawanda kana kuti nguva yakareba kubika.

Mangayi anosiyana nemanhuchu pakuti mangayi anobikwa nechibage chisina kumbodzvurwa.

Mitauro yeBantu chinjirudza