Husiku Hwakaenzana

(runangakatsva kubva kuMasikumaenzane)

Muchidzidzo cheTaranyika (Geography), mazuva eHusiku Hwakaenzana (Equinox) anoitika March 20-21 neSeptember 20-21. Pamazuva aya Denderedzwa reChiedza rinocheka North pole neSouth pole - mativi ose eAkiso anenge ari hhambwe dzakafanana kubva kuzuva - hapana divi rinenge riri pedyo nezuva kudarika rimwe. Zvakare hapana divi reAkiso rinenge rakanongedza kune zuva. Pamazuva aya nzvimbo dzose dziri Pasirose dzinowana husiku hwakaenzana, hwakareba 12 maawa - saka mazuva aya achinzi husiku hwakaenzana- equinox. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuti masikujechetere kana masikumaenzane.

Kubva pana March 20-21, nguva yechiedza inoenda ichireba kuhafu yekuMaodzanyemba - kutanga kwenguva yeChirimo (spring) kunzvimbo dziri kuMaodzanyemba kweMutsazanisi. Kunzvimbo dziri kuChamhembe, nguva yechiedza inenge ichiderera, kutanga kwenguva yeMatsutso (autumn) kunzvimbo idzi.

Kubva pana Sep 20-21, nguva yechiedza inoenda ichiderera kuhafu yekuMaodzanyemba - iyi inguva yemwaka we[[Matsutso] (autumn) kunzvimbo dziri kuMaodzanyemba kweMuenzanisi. Kunzvimbo dziri kuChamhembe, nguva yechiedza inenge ichireba, nguva yemwaka weChirimo kunzvimbo idzi.