Mawawa izita remhuri rinowanikwa muZambia, Tanzania neMozambique.

  • Vanhu vane zita iri: Mawawa Munkonze; Jean-Claude Mawawa; Paul Mawawa.
  • Mawawa kana chibhama (Attractive girl) apa kureva musikana akarurama pachitarisiko.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • MaZulu vanoti isiwawa kana iziwawa (Heated encounter between persons or armies). VaZigula vanoti mawawa (n. wings).
  • MaZulu vanoti iliwawa kana amawawa (Bragging; boastful talk. 2. Incessant barking of dogs. 3. Vivacious, talkative person).
  • MaZulu vanoti isiwawa (Important event). Mamwe mazwi: ubuwawa (Vivacious talkativeness).
  • VaLozi vanoti luwawa kana mawawa pakuwanda (n. jackal) kureva gava. Giryama vanoti mawawa (n. Shower).