Shoko rokuti mhiri kwemakungwa (Overseas in English) zvinoreva nzvimbo kana kuti nyika iri kunr rimwe divi regungwa. Somuenzaniso kana tiri kuAfrica zvinoreva kuti nzvimbo dziri muzviumbe zvinoti: Asia, Europe, Australia, North America neSouth America zviri kumhiri kwemakungwa.

Kune vanhu zvizvarwa zveAfrica vakanogara kunyika dziri mhiri kwemakungwa, vazhinji vacho vanowanikwa kuEurope, North America, neAustralia. North America, South America neEurope dzine marudzi echitema vakazvarwa nevanhu vakatapwa muhuranda kumatunhu iwayo.