Mukoranidzwa weNhamba

Izwi rokuti mukoranidzwa wenhamba riri kushandiswa pano kuturikira chinonzi factorial kuEnglish zvichireva ku multiplier tichibva pana 1 kusvika panhamba yakadudzwa.

Somuenzaniso 6! inonzi six factorial kuEnglish; iri kunzi mukoranidzwa wechitanhatu; izvi zvinoreva nhamba inobuda pakuti 1 x 2 x 3 x 4 x 5 x 6 = 720.

  • Mukoranidzwa wechipiri, 2! = 1 x 2 = 2.
  • Mukoranidzwa wechitatu, 3! = 1 x 2 x 3 = 6.

Kupiwa kweZita chinjirudza

Mazwi okuti mukoranidzwa wenhamba ari kududzwa achitodzaniswa nezwi rokuti kukoranidza (inspan oxen together; link together) rinoreva kubopa madhonza pamwechete. Kana madhonza abopwa pamwechete kureva kuti anoshanda pamwechete. Izwi rokuti kukora kana kukola rinotaurwa kumitauro yeBantu richireva kushanda kana kugadzira.

KuEnglish izwi rokuti factorial rinotodzana nerokuti factor (doer, maker). Mazwi maviri aya anotodzana neLatin yokuti facere (to make; to do).

  • Kukoranidza (inspan two or more oxen together) zvinoreva kubopa mombe mbiri, ina kana nhanhatu pakurima.
  • Kukoranidza (link together) zvinoreva kukochanidza zvinhu zvakawanda.
  • Izwi rokuti factor (noun) riri kuturikirwa kunzi chikore kana zvikore.
  • Izwi rokuti factorize riri kuturikirwa kunzi kukorekedza kana kukoreka.
  • Izwi rokuti factored in kana factoring in riri kuturikirwa kunzi kukoresewa kana kukoreswa.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaSwahili vanoti kitendekazi (determining or decisive factor). VaWanga vanoti okhukhola (v.tr make, do).
  • VaGwere neVaHaya vanoti kukola (do, act, work, make, manufacture) kureva kuita, kushanda kana kugadzira. VaGwere vanoti mukoli wa (maker of something - factor).
  • VaGungu vanoti kukora (to work, do, perform an activity or task) kureva kushanda.
  • VaGungu vanoti kukoresebwa (be employed; work for somebody - company, organization or government) kureva kushandira.
  • VaNyoro vanoti omukoza (agent). VaNyoro vanoti omukozi (workman; labourer) kureva mushandi.