Mushandi

Mushandi kana mushumiri (worker or employee) munhu akakapinda basa paanoshanda achibhadharwa kushanda kwaanenge aita. Vashandi vazhinji vanobhadharwa zvichienderana nenguva yavashanda, nguva yavagara pabasa, humhizha hwavo.

Mushandirwi kana kuti tenzi ndiye wacho ari kushandirwa muridzi wemushando.

Mitauro yeBantuEdit

Kuumba MazwiEdit

  • Vatauri veKizigua vanoti wata (doers - of some habitual activity).
  • VaZigula vanoti wata biyashara (businessman or business woman).
  • VaZigula vanoti wata hondo (warriors) kureva varwi vehondo.
  • VaZigula vanoti wata kupika (cooks) kureva vabiki.
  • VaDigo vanoti mhendadzi (a doer, maker) zvichireva muiti kana mugadziri.
  • VaYao vanoti utumwa (n. service).