Kujekesa Kushanda

(runangakatsva kubva kuKushanda)

Chinyorwa chino chiri kunganidza mwazwi anoreva kushanda.


  • Kubata basa ; Kushuma; Kusevenza, Mubato.
  • Bakanyira kana mabakanyira (Co-operative activity).
  • Kubindikita (1. Give all one's attention to an occupation, 2. focus on one thing). Anobindikita kurima: he has no thought for anything except his farm work.
  • Chiradza (Strong person or beast). Ichi ndicho chiradza chekuchera - that one is the strongest at digging.
  • Kushumira. VaVenda vanoti shuma (v. work) vachireva kushanda.
  • Mushumo (labour)
  • Mushumiri (labourer).
  • Murimo (work, function). Chinhu ichi chine murimoyi?
  • Bishi (busy, whole-hearted activity). Pane bishi hapadanwi anonzwa.
  • midinu, resva kana sikata (ideophone of many carrying out an action together). Vadzimai vakati midinu kutsime: the women all went to fetch water from the well.
  • Kumidinudza (Cause several people to carry out their several tasks).
  • Kuminaidza (Cause to work hard). Kuminaika kana kuminaira (Work energetically). Kuminara (Move energetically). Anominara pabasa: he works hard.
  • Kuruvira, kuruva kana kuruvira zvokudya (to work for one's keep or for food) kushandira nechinangwa chokuzopiwa chokudya semuripo webasa rakabatwa. Muruviri munhu anoshanda seizvi.
  • Mushando (work, job, occupation).
  • Mapwe (Quickness in work). Tinoda kuona ana mapwe: we want to see who will get the most done.
  • Kubinduka kureva kushanda zvisina zororo.
  • Kudzaranisa kana kuzazambura (work much and well; be able; to do many things)) kureva kushanda basa zhinji uye kurishanda nemazvo
  • Kuchama (concentrate, toil) zvinoreva kutsunga uchishanda nesimba. Anochamira kurima chibage.
  • Chihuyane, chihuyani kana chihuyana (gentle action)
  • Chihunyaneni, (very gentle action)
  • Chinono (Slowness of action) sokuti - Hamba ine chinono.
  • Kukondana kana gondano (Shifting of responsibility (passing the buck), when no one has been named expressly as being responsible).
  • Madzakatambwa (1. Badly done work. Unprofitable discussion). vamwe vanoti madzanambwanana.
  • Mudzinzwa kana mutsvawetsambo (Inexperienced person, new to the work in hand). zvinotaura munhu achiri mutsva pabasa riripo.
  • Kuminyaudza, kuminyauka (Cause to be energetic. 2. Encourage 3. Cause to lift heavy object) - apa kureva kugwinyisa kana kupa simba rekubata basa. (Minyau idea of being energetic or lift heavy object).
  • Kugwinya (to be energetic, to be strong, to put forth all of one's strength).
  • Dindikwa kana matindikwa (Uncompleted work, journey, legal case) apa kureva chirongwa chakasiyirwa pakati - kunonzi kutindika. Wacho anoshanda seizvi onzi matindike. Maitiro acho anonzi kutindika kana kutindidza. Matindike izita remhuri.
  • Kudzengedza kana kudzivaidza (Interrupt or disturb person at work).
  • Gwinyiro kana magwinyiro (1. Ambition 2. goal of). Gwinyiro rake kuva mutyairi wechitima: his ambition is to be an engine driver.
  • Govere (good workman).
  • Njinga (hard working man).

Kujekesa Bishi chinjirudza

  • Mubishi kana mubisha (lndustrious person) munhu anoshanda zvakanyanya - iri shoko ringashanda kuturikira inonzi operator kuEnglish.
  • Mubishingo (Scene of great activity with many people all busy). apa kureva pacho pari kushandwa basa zvakanyanya. Iri shoko ringashanda kuturikira inonzi operating site or opera kuEnglish.
  • Kubishinga kana kubisha (working diligently) Vari kubishinga mabasa kurima. Amai vanobishikoshandira mhuri yavo: a mother works diligently for the family.
  • Mubisho (1. Hard work, 2. Diligence, 3. Utility) iri shoko ringashandiswa kuturikira inonzi operations kuEnglish. Hurumende yeZimbabwe yakaita Mubisho weMurambatsvina mugore 2005; mubisho uyu waiva nemakakatanwa waive pakuda kuziva chinzero chazvakaitirwa uye kucherechedza matambudziko aiveko ekuti vanhu vakapazirwa dzimba nematumba avaigara.
  • Kubirisha (Work energertically) ndiko kubishinga.
  • Mushashatu (one who is quick at work).
  • Baya (unconvenial task; misfortune e.g. continual ill health). Basa rekupwanya matombo nenyundo rinobaya.
  • Musharo wevashandi (worker's wages) apa kureva muhoro kana mubhadharo unopiwa vashandi maringe nebasa ravakabata.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Akatiminaidza nhando ndokuramba nohwahwa hwedu hwatakabatira: he made us work unnecessarily hard and then would not give us the beer we worked for.
  • Varume navakadzi vakaswerominaidzana nebasa rokusakura: the men and women busied themselves the whole day weeding in the lands.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaHerero vanoti otyiungura (work; operation) kureva basa. VaHerero vanoti ungura kana tyita (work; do, act) kureva kushanda basa.
  • BaKalanga vanoti shingi (worker; an employee; a labourer) kureva mushandi. BaKalanga vanoti shingidzana (cooperate; work together) kureva kushanda pamwe.
  • BaKalanga vanoti shingo (work; employment) kureva basa.
  • VaHaya vanoti omulimo (work) vachireva basa. VaHaya vanoti okukora kana kukola (to work) vachireva kushanda.
  • VaLenje,VaBwisi neVaNyoro vanoti mulimo (labour, work, job, occupation, employment). VaLozi vanoti -sebeza (v.t. to work, to do, to labour) vachireva kusevenza.
  • VaLungu vanoti ukuoomba (to work) kureva kushanda. VaNyakyusa vanoti bomba (work, do) vachireva kushanda kana kuita.
  • Mang'anja vanoti kuomba (to work material) vachireva kushanda nezvinobatwa. VaTonga vanoti balumi ba beleka (men they work) vachireva varume ava vanoshanda.