Mukweso wemagetsi (muChirungu: electrical resistance) wechinhu chinoshanda nemagetsi zvinoreva kupikisa kwekufamba kwemuyerero wemagetsi muchinhu ichocho. Kana mukweso wakondekwa (inverse) unonzi mugwinho; izvi zvinoreva kuti zviri nyore sei kuti muyerero wemagetsi upfuure muchinhu chinoshanda nemagetsi. Chiyerwo chemukweso mudandira rezviyero pasirose (SI) chinonzi ohm. Mugwinho hunoyerwa mumasiemens.

Chiromukweso (resistor), sekuzikanwa kubva pakodhi yemavara yezveugetsi (electronic color code) (blue–green–black-gold). Ohmita inogona kushandiswa kunyatsozivisa kuti chiremo ichi ndechemachokwadi here.

Chiro chine mucheko wenharaunda, wakaenzanirana chinoratidza mukweso une rupandavaro rwakadondeka hurefu. Zvinhu zvese zvine mukweso wemagetsi, kunze kwemasupakondakita asina mukweso.

Mukweso (R) wechiro unodudzirwa semudida webasa paumwe hwechaji (vhoruteji) kumativi kwechiro (V) nerufuvha muchiro ichocho (I) pachiva nemugwinho (G) iri pindukwo yacho:

Kune zviro zvizhinji, V na I zvine rupandavaro rwakadondeka; izvi zvoreva kuti R na G mikokonerwa (constants) (asi zvinogona kushanduka zvichienderana nezvimwe zvinhu somuenzaniso, hujoto). Rupandavaro urwu runodudzirwa neMutemo waOhm uye zviro zvinotaridza rupandavaromsaizvozvi zvinonzi zviro zviri ohmiki.

Mukweso wemagetsi unoyerwa neohmita (ohmmeter).

Rimwe izwi rinoreva resist nderekuti kutayira, kutavira.???

  • Kukwesa (Be defiant, contumacious).

Mikweso inogarowanikwa

chinjirudza
Chiro Chemagetsi Mukweso (Ω)
1m yewaya yemhangura
ine gurapakati ye1mm
0.02[1]
1 km waya yemagetsi yepamusoro
(inonyano wanikwa)
0.03[2]
Bhatiri reAA (mukweso wemukati
unonyanyowanikwa)
0.1[3]
Firamendi yegirobhu rakare
(incadescent lightbulb filament)
(inonyanyowanikwa)
200-1000[4]
Muviri wemunhu 1000 to 100,000[5]

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaWanga vanoti okhukhwesa (pull; draw; drag). Olunyala vanoti khwesa (v. Pull).
  • VaNyole vanoti ohuhwesa (pull; drag; stretch).
  • VaVenda vanoti nungo kana maanda (n. resistance).

Kwakawanikwa Ruzivo

chinjirudza
  1. Hukweso hwecopper i1.7×10-8Ωm. Ona [1].
  2. Electric power substations engineering na John Douglas McDonald, p 18-37, [2]
  3. [3] Kune bhatiri ritsva reEnergizer E91 AA alkaline battery, mukweso wemukati unosiyana kubva pa0.9Ω nehujoto hwe -40°C, kusvikira 0.1Ω nehujoto hwe +40°C.
  4. Mukweso wegirobhu re60W kuEurope (230V magetsi epaplug) inenge iri 900 ohm. Mukweso wefiramende unotemba nehujoto; manhamba aya ndeefiramende irikutopisa apa girobhu richiburitsa chiedza.
  5. 100,000 ohm pakubata neganda rakaoma, 1000 ohms pakubata neganda rakatota kana rakatsemuka. Zvinotembawo nezvimwe zvinhu. Wonawo: Publication No. 98-131: Worker Deaths by Electrocution. National Institute for Occupational Safety and Health