Mutumwa (kureva Angel; Celestial/Devine messenger, sepaChivanhu; ) kana ngirozi ishoko rinoshandiswa mutsika yedu kureva muumbwa kana musikwi waMwari anoburuka kubva kudenga achiuya nenhau kuvanhu, senge madhidhizha, madzinza uye nyika.

Zvinamato chinjirudza

Ujudha chinjirudza

MuChijudha, vatumwa, (Chihebheru: מַלְאָךְ‎ mal’āḵ; kureva "mutumwa; munyai; nhume"), vanonzwisisikwa muzvitsananguro zvemuTanakh uye mutsika sevaumbwa wechiwudzimu vanomira naMwari mudenga, asi vanosiyaniswa naMwari uye varikutsi kwavo. Dzimwe nguva Mwari vanovapa mirairo uye zvido zvavo zvokurakidza kuvanhu.

Bhaibheri rechiHebheru chinjirudza

MuTorah (Bhaibheri rechiHebheru) maneno okuti מלאך אלהים (mal'āk̠ 'ĕlōhîm; "mutumwa waMwari"), מלאך יהוה (mal'āk̠ Yahweh; "Mutumwa waShe"), בני אלהים (bənē 'ĕlōhîm; "varumbwana vaMwari") uye הקודשים (haqqôd̠əšîm; "avo vatsvene") kureva vaumbwa/vasikwi vanonzwisiswa sevatumwa. Garegare mamwe mashoko akashandiswa mumahhwaro, senge העליונים (hā'elyônîm; "vekumusoro").

Ringai futi: chinjirudza