Maambonyina

(runangakatsva kubva kuMuyambonyina)

Pachinyorwa chino mazwi anoti maambonyina kana mitauronyina ari kushandiswa kuturikira chinonzi dialects kuEnglish, apa zvichireva mitauro yakafanana mazwi mazhinji zvokuti vatauri vanonzwanana, asi pachizoita mamwe mazwi akasiyana pakutaura nepakunyorwa. Somuenzaniso ChiShona chine mitauronyina inodarika minomwe. Ndiminyina kana maambonyina akabatanidzwa kuumba ChiShona anosanganisira: ChiKaranga, ChiManyika, Zezuru, ChiKorekore, Ndau, Budya, ChiTonga nemimwewo.

English ine miyambonyina yakawanda zvichienderana nenyika yacho inobva vatauri. Kune British English, American English, Australian English, South African English zvichingodaro. Somuenzaniso South African English ine mazwi anotevera asingawanikwe kuBritain: braai, naartjie, kopje, veld, kloof, kraal, boerwors zvichingodaro.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Zita rokuti maambonyina rasarudzwa pano richitodza izwi rokuti kuamba rinowanikwa kuMitauro yeBantu sezvizvi:

  • Lenje inoti kuamba (speech, utterance; expression) kureva kutaura. Mamwe Mazwi: chambo, shambo kana mwambo (mode of speaking; expression) kureva matauriro.
  • Tonga inoti ku amba (to speak) kureva kutaura. Kaonde inoti kwamba (to speak) kureva kutaura. Baila vanoti mwambo (n. language) kureva mutauro.
  • Chewa vanoti kuambira (admonition) kureva kuyambira. Kalanga inoti luambo (n. Language) kureva mutauro.

Muenzaniso weMusiyano chinjirudza

ChiZezuru ChiManyika
vana wana
kuvava kuwawa
imba mhatso
seiko ngenyiko
mukomana murumbwana (mukororo)
handei hambai
kunyadzisa kutsverudza
kuvanza kutsvitsa
chibage magwere
makudo matiro
chivanze chiwanze
muvakidzani mubanze
chiso hope
zhizha maenza
mukwasha mukwambo