Mwaka muZimbabwe

(runangakatsva kubva kuRuswiswi)

Chinyorwa chino chiri kutsanangura mwaka muZimbabwe.

Nyamavhuvhu

==Zhizha inguva inonaya mvura vanhu vachizodyara mbesa muminda. Shiri dzinotevera kudziya nekunaya dzinouyawo dzichibva kure. Mwedzi yezhizha inoti Mbudzi, Zvita na Ndira.

Matsutso chinjirudza

Matsutso kana masutso (End of rainy season when crops are about to ripen) apa kureva nguva inopera mwaka wekunaya kwemvura apo zvirimwa zvinenge zvosvika kuti zvichikohwewa. Vamwe vatauri veChiKorekore vanoti mapehwe.Mwaka uyu unotanga kubva muna Kukadzi koti Kurume uchipera Kubvumbi.

Chando chinjirudza

Chando (winter) mwaka wekutonhora, munguva iyi vanhu vanenge vachipedzisa kukohwa kana kupura mbesa dzavo. Vatauri veChiNdau vanoti chinyamuchinga.

Chirimo chinjirudza

 
  • Chirimo kana ruswiswi (springtime) iyi inguva inotevera chando apo varimi vanotanga kurima minda, miti inotanga kudenhera mashizha matsva.
  • Mhari (dryness, want of rain or moisture; aridness). Iri izwi rinokwanisa kuturikira chinonzi arid region kuEnglish.

Tsumo chinjirudza

  • Gapo rimwe harisvitsi zhizha. One spell of rain cannot (even) bring about the first crop season.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Mang'anja vanoti makono (season; year; this year). Sokuti makono kwadza ntenda - zvichireva kuti gore rino kwauya chirwere.
  • VaTonga vanoti cilimo (dry season) vachireva chirimo. VaGanda vanoti kuwanyira kana kuwanjira (climate).
  • VaBwisi vanoti butuku (time period, season). VaBwisi vanoti bwile (time period, period of time). VaBwisi vanoti bwile (weather) mamirire ekunze.
  • VaVenda vanoti mubvumbi wa mutsho (n. weather forecaster). Mamwe mazwi: mubvumbo wa mutsho (n. weather forecast).
  • VaTonga vanoti luwo kana bube (climate) kureva mamiriro ekunze. VaBarawani vanoti hawa (weather/climate) kureva mamiriro ekunze.