Tsara
Mitauro yeBantu
chinjirudzaPano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya.
- Tsonga vanoti kutsala kureva kunyora. Mutsari kureva munyori.
- VaWanga vanoti okhusara (imprint, marks cut on the body, ornamentation on pots, printing in books, etc.) kureva kunyora.
- Mang'anja vanoti tsala kana masala (an old garden; a garden left for a year or more), ibindu rakasaruka. VaChewa vanoti ntsala (a deserted garden).
- VaGiryama vanoti tsala (n. a lamp). Muenzaniso: ku-asa tsala (to light a lamp). komba ra tsala (n. wick) kureva tambo yerambhi.
- VaGiryama vanoti kitsara (small apron for young maids). VaDigo vanoti mtsara (dam, reservoir, pool) vachireva dhamu.
- VaNgwo vanoti àtsàʼrà (n. prayer, greetings). Mamwe mazwi: àtsàʼrà Ngwê (n. Lord's prayer).