Ndinofarira mutauro wedu weChiVanhu kana kuti weChiShona uyewo ndoedza kushandira kuti mutauro wedu ubudirire kunyaya munguva ino yehunyanzvi hwemichina inochengeta nokuparadzira pasi rose mashoko nezivo dzepasirino.

Ndiri godobori rezvemakombiyuta uyewo zvematenhe emashoko nezivo dzemichina inoshandiswa kugadzira matenhe aya nekuchengetedzwa kwawo. Uye ndinodzidzisa pachikoro chikuru chezvidzidzo izvi chinonzi Massey University muNyika ye New Zealand.

Ndinofarirawo Masvomhu ayo andakadzidza kusvikira kuchikoro chikuru cheZimbabwe asi handina kuzoenderera mberi nezvidzidzo zvekumanhepfutepfu eruzivo gweMasvonhu. Ndakazoenderera mberi nezvidzidzo zvandataura mamusoro apo.

Parizvino ndiri kubatsira kunyora magwaro eMasvomhu nemamwe akawanda epamusoro pedu isu vanhu veChiShona pano paWikipidhiya.

Handisi godobori remutauro wedu weChiShona asi ndakakura ndichidzidza mutauro wedu kubva kuna mai vasekuru, mbuya vababa, avo vakazotisiya vave nemakore anodarika zana, uyewo ndakadzidziswa mutauro nasekuru baba vababa. Mbuya vababa vangu vakanga vatove munhu abvezera panguva yakapambwa nyika yedu neVaRungu. Muchembere uyu ndiye akandidzidzisa masvomhu achishandisa ChiShona choga pasina kana kushandisa mashoko eChiRungu.