Huwandu
100,000
Nzvimbo dzine Huwandu hwakawanda
Zimbabwe -
Bhotswana -
Mitauro
Chinambya, Chikalanga, Chirozvi/Chilozwi/Chirotse
Rudaviro
-
Madzinza aneHukama huri pedyo
Vakalanga, Vakaranga, Varozvi, Vanyai, Vavhenda, Valilima
Zarura Tafura
Munhu Munambua
Vanhu Vanambya
Mutauro Chinambya

Vanambya kana Wanambya idzinza revanhu vangangosvika 100,000, vanowanikwa kumaodzanyembaemadokero eZimbabwe uye maodzanyembaemabvazuva eBhotswana. Vanowanikwa vakatenderedza dhorobha reHwange kunotapwa marasha, nzvimbo dzakatenderedza mapopoma eUtsi Unotinhira (Victoria Falls) pamwe nenzvimbo dziri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweBhotswana dzinoti, Pandamatenga, Chobe, Maremaoto, Gweta, Shorobe, Tsienyane, Zoroga, Chumo, Makalamabedi, Sankoyo. Lesoma, Xhumo, Mopipi, Broadhurst, Rakops, Shoshong, Palapye neMaun.[1] Dhorobha reHwange neHwange National Park zvakatumidzwa kutevera zita raMambo Sawanga weVanambya, uyo akazonzi Hwange neVanambya. Marudzi eVakalanga akatorwa nevarwi vechiNambya kubva kune yaimbove Umambo weRozvi ye Hukuru hwe Zimbabwe vakapesvedzera mutauro weChinambya izvo zvakakonzera shanduko yekududzirwa kwemazwi nematauriro.

Vanhu verudzi rwechiNambya ndivo vagari venzvimbo yakapoteredza Hwange National Park, nzvimbo yechipiri pakukura muAfurika mushure meKruger National Park muAfurika Chamhembe, iyo inodada neBig Five game. Hwange chinhambwe chingori makiromita zana kubva kudhorobha reVictoria Falls riri kumaodzanyembaemadokero eMatebeleland North Province. Vanambya vane hukama neVakalanga (neVakaranga ne Vavhenda futi). Vanambya vakabva kuUmambo hweZimbabwe, uye vakakunda mamwe marudzi eKalanga vachienda kuHwange, Victoria Falls nekuMaodzanyembaemabvazuva eBhotswana, izvo zvakashandura mutauro weChinambya ndokuita kuti ufanane neChikalanga. Vanambya vaitungamirirwa nasabhuku weUmambo hweZimbabwe ainzi Denderende Sawanga vakaenda kuDete yanhasi, ndiko kwavakagara. Vamwe vakazogara kuBumbusi. Izvi zvinoratidzwa nematombo akavakwa neManambya akafanana neanowanikwa kuUmambo hweZimbabwe. Utongi hwechimambo hwe Vanambya hwaisanganisa She Shana weVanambya, She Hwange, She Nekatambe, She Nelukoba, Botswana BaShe BechiNambya NShe Shashe Shakwa,Botswana BaShe BechiNambya NShe Manchebu, Botswana BaShe BechiNambya NShe Makonyela, Botswana BaShe BechiNambya Botswana, Botswana BaShe BechiNambya NShe Montsho, Botswana BaShe BechiNambya NShe Masusu, Botswana BaShe BechiNambya NShe Shambi, Botswana BaShe BechiNambya NShe Sumbami, Botswana BaShe BechiNambya NShe Manchebu Phaphadza, Botswana BaShe BechiNambya NShe Bahalole and Botswana BaShe BechiNambya NShe Mazwimbo. Vamwe vane mukurumbira vanosanganisira vabva kuZimbabwe vakaita saDavid Kwidini, Sansole, Percival Tshakaita, Lovemore Zamani Ndlovu.

Zvinotendwawo kuti Vanambya vari mudzinza reVaRozvi/Varotse. Vanmbya vane mitauronyina inosanganisa, Vanizi uye Vanyai (vanogona kuva vamwechete neVanyai vechiShona ne chiVhenda). Vanambya vakabva kuUmambo weKaranga-Rozvi ye Masvingo e Umambo hweZimbabwe.

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. Hasselbring, Sue; Segatlhe, Thabiso; Munch, Julie; Project, Basarwa Languages (1 January 2001). A sociolinguistic survey of the languages of Botswana