Tarisai futi peji re: Vatalaunda

Vataraote (muTjikalanga: Batalaote, Badhalaunda; Batalaunda) kana Vataraunda vanhu vedzinza rinowanikwa kudunhudiki repakati peVutswana ne kuchamhembe-e-madokero eZimbabwe. Vanhu vanosanganiswa muboka redzinza huru rinonzi Vakalanga. Pakufamba kwemakore Vataraote vanogara mu Zimbabwe vakarasa mutauro wavo ndokutanga kushandosa Chikalanga, uye Chingwato (mutauro we Vangwato) muVutswana. Vataraunda ne Vadoma vane tateguru mumwechete, uye madzinza maviri aya ane makhesi akakura e ekitodhakitiri (ectrodactyly).

Zita chinjirudza

Vataraote richiwanzo nyorwa richinzi Vataraunda, izita redzinza rinoreva kuti 'to glance back while trudging on'.

Nhoroondo chinjirudza

Dzinza re Vataraunda ihombe kunyangwe raka ganhurwa uye vachigara munzvimbo dzakawanda muVutswana ne Zimbabwe. Varozvi (Lozi/Lozvi) uye mutupo wavo (moyo) uye havaboori zhebe dzawo. Madzinza anerugare akafamba kubva kuZimbabwe; vakauya kubva panzvimbo imwechete kuMabvazuva eAfurika se Vashona. Vakatiza Zimbabwe kuenda ku Senyawe muVutswana nekuda kwehondo dze saruradzinza. Vakagara ne Vangwato pavakagara muVutswana. Vamwevavo vakafamba naRatiltadi uye Mpoengs akatiza kuKgama achienda muPlumtree, Zimbabwe. Varozvi ndiwo vanhu vakabara Vuhlanga rwa Mambo . Zvinofungwa kuti ndiwo ava Vakalanga/Vakaranga/Rozvi ndivo vakawaka Mapungubge ne Hukuru hweZimbabwe.

Vagululu imhuri diki irimukati me Vataraunda; uvambo wavo unoteerwa kushure kwe gukurahundi yakaedzwa na Mambo Mzilikazi mushure ma Kedikilwe, mukoma wa Musemwe, paakanyebera Mambo nezvemombe dzaive dzeVataraunda ne Vangwato muVutswana.

Mashoko chinjirudza

  • vuhlanga kana ruhlanga kureva dynasty, kutora kubva pa shoko reChizulu nge Chindau. Shoko iri rasarurwa ngekuti hla anowanikwa kuChindau nge Chikaranga asi vantu havazvizivi, zvinozwikwa panobhuya vantu chivantu chedu bedzi. Uku, kuitira kuzivisa vantu nezvoChishona chakasiyana-siyana

Mamwe mapeji ekutarisa chinjirudza