Chirema, Chiremera kana Sotani (ku Chingezi: Saturn; chikwangwani: ♄) chindeya chechitanhatu kubva kuzuva uye yechipiri pakukura muMutandiro weMushana. Vhenekeratsvimborume ndicho chindeya chakakurisa kudarika Chirema. Chindeya ichi igasi hofori ine avhareji nharaunda ingangoita mapfumbamwe nehafu nguva yeRinopasi.[1][2]

Chiremera kana Chirema
Tsananguro yaChiremera.

Muchishona Chirema akapihwa zita rake nekuda kwemataridziko ake, muchirungu zita rake chirema rinoreva kuti "the lame or abnormal star". Uye vaitendawo kuti matombo aipoterera Chirema akange akafanana ne vana vaisiya imba vachienda kunozvimirira pachavo sevanhu vakuru, pamwe iro zita rekuti Chiremera rakatumidzwa nekuti vanhu vakuru vane 'dignity', kana kuti rinogona kunge rakazvarwa nekuda kwekutadzwa kwekunyorwa.

Zvedenga mu Chinyakare chinjirudza

Muchinyakare Vashona vaiverenga nyeredzi kuti dzivabatsire mukuunganidzwa mezvekudya nevavhimi nevabati vehove.[3] Vaiziva nezvemhete dzakapoteredza Chirema, izvi ndizvo zvakaita kuti Chirema apihwe zita rake. Zita rekuti Chirema rakabva kushoko rekuti Chirema nekuti Vashona vaiona senge chindeya ichi chakange chakaremara nekuda kwekuti yaive nemhete dzinonatso oneka dzayo. Saka vakange vasina kujaira masiyanero ayo nezvimwe zvindeya zvavaiona.[3]

 
Chiremera eclipse.

Uye nyaya yavaitenda pamusoro paChirema yaive yekuti:

Chirema chino sanganisa nyenyedzi diki dzakabatwa nokukwezva naiye Chirema wacho, asi vaisa ziva chikonzero chekutenda izvi chaisa zivikwa. Pamusoro pezvo vaitenda kuti idzo nyenyedzi diki dzaicho dzaimirira nguva dzadzaizo mutswa dzozowira dzichiita zvindeya zvine boterero dzaro. Kuwira kwaro kwai enzaniswa nezvinoita vana pavanobva pamba woita vanhu vavo vega pachavo.[3]

Mafungiro evaShona aive nechokwadi asi kwete chokwadi chizere. Nhasi, munguva ino vanhu vezvechadenga (astronomers), vanotsanangura kuti mhete dzaChirema dzine ma "umbwa madiki akaita kakufukidzwa nechando" (small ice-coated particles) uye ese ane botererero dzaro.[2][3]

MuChiBantu chinjirudza

  • Chitsonga - Ntavasi ndiro zita raChiremera muChitsonga.[4]
  • Chixhosa - iSateni ndiro zita raChiremera muChixhosa.[5]
  • Chisotho - Satene izita raChiremera muChisotho[5]
  • Chitswana - Satuni izita raChiremera muChitswana[5]
  • Chiswahiri - Zohali ndiChiremera muChiswahiri, ishoko rinobva kuChiarabhu.[6][7]
  • Chizuru - Sathene ndiro zita raChirema/Chiremera muChizuzu.[5]

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. Brainerd, Jerome James (24 November 2004).'Maitiro aChiremera'.The Astrophysics Spectator. Archived from the originalon 1 Gumiguru 2011. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  2. 2.0 2.1 28 Chikunguru 2011, 'Tsananguro yaChiremera' Scienceray. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021.
  3. 3.0 3.1 3.2 3.3 F.W.J McCosh, h.z, 'The Rhodesia Native Affairs Dept. Annual for 1970' The African sky. Planets. Yakatariswa: 5 Chikumi 2021
  4. sn:wiki contributors, (5 Chikumi 2021) 'Chindeya', Mazita ezvindeya muChiBantu. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  5. 5.0 5.1 5.2 5.3 Bomar S, 2010, 'Mazita ezvindeya mumitauro yese' Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  6. sw:wiki, (8 Chivabvu 2019), 'Zohali'Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  7. sw:wiki, 4 Gunyana 20120, 'Sayari' Sayari za jua letu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021