Chisimira (Chingezi: Pleiades) chirimera kana Chimutanhatu, iasterisimu uye sumbu rakavhurika renyeredzi dzezera repakati, dzinopisa dze mhando-B kumaodzanyemba-mabvazuva kwe unganyeredzi ya Handira (Taurus). Rine nhambwe yemakore echiedza anosvika 444, riri pakati pemasumbu enyeredzi ari padyo neRinopasi. Ndiro chinhu che Mesieri chiri pedyopedyo ne Rinopasi, uye ndiro sumbu rinonyatso voneka neziso risina kupfeka mudenga revusiku.[1]

Chisimira.

Vambo rezita chinjirudza

Chisimira izita rema pleiades rinoreva kuti 'nguva yekusima' kana 'kudyara'.[1]

Chimutanhatu kana Chinyamutanhatu inyeredzi tanhatu dzakajeka muchisimira, imwe yacho yechinomwe hayikwanise kuoneka zvakanaka kana munhu achitarisa.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Kilimia ndio zita rachisimira muChiswahiri.[2] Rangarirai kuti Vaswahiri vanoshandisa Ki panoshandiswa Chi muChishona.

Mashoko ashandiswa: chinjirudza

sumbu - kureva cluster

unganyeredzi kureva constellation

asterisimu kureva asterism

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. 1.0 1.1 https://archive.org/stream/TheRhodesiaNativeAffairsDept.AnnualFor1979/NADA2_djvu.txt
  2. Chiswahiri Wikipidhiya, (4 Chivabvu 2019) 'Kilimia' Chisimira. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  3. Chingala Wikipidhiya, (24 Chikunguru 2013) 'Bangɔndɔ nsambo' Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  4. 4.0 4.1 4.2 4.3 4.4 4.5 'ethno astronomy' the stars around orion. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021