Rwodzi

(runangakatsva kubva kuChitseketo)

Rwodzi (Bast fibre) zvinoreva tambo inosvuurwa kubva pagwati rinokwaturwa kubva pamuti inoti munhondo, mupfuti kana musasa. Nokumwe kutaura rwodzi rwunonzi gavi. Rwodzi rwunoshandiswa mabasa akawanda anosanganisira: kusunga huni, kusunga mbariro pakupfirira matenda emba, kuvaka matanga emombe kana huku, kuruka tyava nenhava, nemamwe mabasa anoda kusunganidza zvinhu.


  • Kusvuura gavi zvinoreva kubvisa gavi kubva pagwati remuti. Gavi rinosvuurwa nokurinamura kubva pagwati ndokuchizo rikakata kubva pagavi racho.
  • Kuponora (to remove bark from a tree by beating) zvinoreva kubvisa gwati pamuti nenzira yekupurira pasi.
  • Chikumo (for stripping bark). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rokuti Chigumo?
  • Gwande (section of bark).
  • Gashu kana rukashu (rope made using four strands of bast fibre) itambo yakarukwa nemhande ina dzemakavi.
  • Bondeka kana mapondeka pakuwanda (Piece of branch or stem of tree cut with its bark on for purpose of extracting bark fibre). Vamwe vanoti nzeta.
  • Kubondeka (Soak bondeka as preparation for extracting fibre).
  • Makwaya (braod piece of bark used for mat).
  • munza (band attached to clothe).
  • Rundaza (band for head or waist). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mandaza?
  • Rundanyara (band of wire).
  • Rundanyara (band of beads for forehead) kana rusore.
  • Kuzvebura (strip off a branch with bast fibre)?

Kurerutsa Mutauro

chinjirudza
  • Mbariro dzinosungwa nemajereveza amakavi: purlins are tied with strips of bark fibre.
  • Chitseketo (Instrument for stripping bark off trees).
  • Nzara makavi inosvuurwa. Hunger is like fibre; it can be removed.
  • Kungwara kukosha ngoyi. To be wise is to prepare strings (for a woven bag).

Mitauro yeAfrika

chinjirudza
  • Baila vanoti lozhi (cord, string) kureva rwodzi. VaTonga vanoti lozi kana luozi (n. bark string) kureva rwodzi.
  • Kirundi inoti umugozi (string, rope) kureva rwodzi. VaRundi ingoyi (chain, rope) kureva cheni kana tambo. Tsuvadi inoti haa'ĩ (n. leather string) kureva tambo yedehwe.
  • VaFwe vanoti rozi (rope) zvichireva tambo. MaZulu vanoti xebu kana xephu (ideophone. of stripping, peeling, tearing off) inyaudzosingwi inodudza kuzvebura?
  • MaZulu vanoti xebuka kana xephuka (Peel off, come off in strips) - zvichida vanoreva kuzvebuka. Mamwe mazwi: xebula kana xephula (Strip off, peel off, tear off) kureva kuzvebura.
  • VaKwere vanoti lugozi (n. rope) zvichireva tambo. Kinande vanoti erihonola (n. remove the crust on a wound) kukwatanura chironda.