Kuzivira
(Redirected from Kudowedza)
Kuzivira, kudowera kana kurovera (accustom, acclimatize) anoreva kujaira kwekunge munhu akaita chinhu kwenguva refu kana akachita kazhinji.
Kurerutsa MutauroEdit
- Pokutanga handina kufaranuka nokugara mudhorobha, asi ndadowera zvino.
- Mwana uyu akadowera chaizvo. Apa richireva kuti mwana uyu ane musikanzwa, akajaidzwa.
Mamwe mazwi anotodzanaEdit
- Kurovedzwa (to train, cause to get accustomed to) zvichireva kudzidziswa kana kujaidzwa.
- Kurovera, kudowedza kana kurovedza (to be or get accustomed to; used to).
- Kurovedzana (to accustom to each other).
- Kurovedzera (to cause to be accustomed to).
- Kuzivira kana kujaira.
Mazwi eBantuEdit
- VaTonga vanoti kuzibila (to be accustomed) kureva kuzivira. VaVenda vanoti ndowera (get used to me)
- VaZigula vanoti kuzowera (be accustomed to). VaZigula vanoti kuzowerwa (be renowned; be well known).
- VaNyoro vanoti -manyire kana manyira (to be used to). VaShambala vanoti mazowera (n. habits).
- VaLozi vanoti tapa (v.i. to become tame, easy to manage; to be trained).