Kuturikira Chivakamberi tropic
Pano pari kuumbwa mashoko ekuturira chavakamberi -tropic chinowanikwa kusainzi ichinyorwa muChingezi. Chivakamberi ichi chiri pamazwi anoti: tropics; geotropic, lipotropic; neurotropic; psychotropic; gonadotropic; phototropism, heliotropism, magnetotropism, hygrotropism, ecotropism, HIV tropism, zvichingodaro.
Kududza Zvinoreva Chivakamberi Tropic
chinjirudzaVakare vaiva nyanzvi dzeSainzi kuEurope vaitenda kuti zuva raipinduka kudzokera kwarabva pamwaka inonzi solstice muChingezi. Zvainzi panguva iyi zuva raipinduka kana rasvika paMbariro dzeTaranyika dzinonzi Cancer neCapricon. Saka vakatumidza zita rokuti tropics rinobva kuGreek richireva to turn; a turn, way, manner, style, etc. Chivakamberi tropic chinoteverwa nemazwi anodudza chinhu chacho chinosunda kushanduka kuchaita zvinhu, nzvimbo, muviri, nhengo, hutachiona, chirwere, kana zvimwewo zvinodomwa mberi kwechivakamberi ichi. Duramazwi reDictionary.com rinodudzira -tropic richiti: - turned toward, with an orientation toward; having an affinity for, affecting what is specified; affecting the activity of, maintaining a specified organ.
Kuumba Mazwi
chinjirudza- Rukotera (Tropism; to bend towards).
- Ukotera kana chikotera (Tropic).
- Rukoterazuva (Heliotropism).
- Rukoteramafuta (Lipotropism).
- Rukoterandanga (Psychotropism).
- Rukoteranhundu (Ecotropism).
- Rukotera-HIV (HIV tropism).
- Mudzinganyama izita remhuri.
Mitauro yeAfrika
chinjirudzaCherechedzai zvakanyorwa pamitauro yeAfrika iri pasi iyo.
- Luwanga inoti okhukotola (v.int. turn aside from the path; go around a bend) kureva kutsambuka. Kikongo vanoti koteka (to bend, bend back, fold a joint).
- Duala inoti mukoto (n. curve; winding) kureva kukota. Kimbundu vanoti -koteka (n. bend) kureva kukoteka.
- Swahili inoti kota (v. curve, bend, hook, crook) kureva kukota. Bulu inoti kotô (v. be crooked) kureva kukoteka.